Jobho 10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1“Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.
2Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.
3Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?
4Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?
5Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,
6kuti muongorore mhosva yangu uye mutsvage chivi changu,
7kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?
8“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here?
9Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Zvino mondidzoserazve kuvhu here?
10Hamuna kundidurura somukaka here uye mukandigwambisa sechizi,
11mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?
12Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.
13“Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.
14Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.
15Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.
16Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.
17Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.
18“Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.
19Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!
20Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,
21ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri wakadzama,
22kunyika yerima guru, yomumvuri wakadzama nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”
Jobho
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0