Hosea 2

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1“Uti kuvanunʼuna vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ”

2“Tsiurai mai venyu, vatsiurei, nokuti havasi mukadzi wangu, uye handisi murume wavo. Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo nokusatendeka pakati pamazamu avo.

3Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose vagosara vakashama sezvavakanga vakaita musi wavakaberekwa. Ndichavaita segwenga ndigovashandura vave nyika yakaoma uye ndichavauraya nenyota.

4Handizoratidzi vana vavo rudo, nokuti vana voufeve.

5Mai vavo vakanga vasina kutendeka uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa. Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’

6Naizvozvo ndichasosera nzira yavo namasanzu eminzwa; ndichavapfigira mukati morusvingo zvokuti havangawani nzira yavo.

7Vachadzinganisa vadiwa vavo asi havangavabati; vachavatsvaka, asi havangavawani. Ipapo vachati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu sapakutanga nokuti ipapo ndaiva nani kupfuura pari zvino.’

8Havana kuzvibvuma kuti ndini ndaivapa zviyo, newaini itsva namafuta, ndini ndakavapa sirivha negoridhe rakawanda izvo zvavakashandira Bhaari nazvo.

9“Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva, newaini yangu itsva nenguva yayo. Ndichatora makushe angu nomucheka wangu zvaifanira kufukidza kushama kwavo.

10Saka zvino ndichabudisa pachena unzenza hwavo pamberi pavadiwa vavo; hapana achazovatora kubva mumaoko angu.

11Ndichagumisa kupembera kwavo kwose: mitambo yavo yose yegore negore, nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata avo nemitambo yavo yose yakatarwa.

12Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo. Ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya.

13Ndichavaranga nokuda kwamazuva avakapisira zvinonhuhwira kuna Bhaari; vakazvishonga nemhete nezvishongo, vakatevera vadiwa vavo, asi ini vakandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

14“Naizvozvo zvino ndichazovakwezva; ndichavatungamirira kurenje ndigotaura zvinyoronyoro kwavari.

15Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.

16“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’

17Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve.

18Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka.

19Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi.

20Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.

21“Pazuva iro ndichadavira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichadavira kumatenga uye ivo vachadavira kunyika;

22nenyika ichadavira kuzviyo, waini itsva namafuta, uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri.

23Ndichamusima panyika nokuda kwangu; ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’ Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’ uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’ ”

Hosea

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0