Ezekieri 19

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1“Chema pamusoro pamachinda eIsraeri

2uti: “ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo.

3Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu.

4Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti.

5“ ‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba.

6Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu.

7Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo.

8Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo.

9Vakaipinza muchizarira nezvikokovono vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri.

10“ ‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji.

11Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.

12Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa.

13Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota.

14Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”

Ezekieri

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0