Esteri 10

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Mambo Zekisesi akadzika mutemo munyika yose, kusvika kumahombekombe egungwa.

Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eMedhia nePezhia?

Modhekai muJudha aiva wechipiri kubva kuna Mambo Zekisesi, mukuru pakati pavaJudha, uye airemekedzwa zvikuru noruzhinji rwehama dzake dzechiJudha, nokuti akatsvakira vanhu vake zvakanaka uye akakumbirira vaJudha vose kuti vagare zvakanaka.

Esteri

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0