Muparidzi 11

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji, nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.

Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.

Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.

Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose.

Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva.

Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji, ngaafadzwe nawo ose. Asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvichazouya hazvina maturo.

Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa.

Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako, nokuti uduku nesimba hazvina maturo.

Muparidzi

Vhura muverengi anodyidzana kuchinja shanduro, kugadzirisa mavara, uye kumaka ndima — kana tarisa ndima nemisoro.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0