2 Makoronike 3

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi.

2Akatanga kuvaka pazuva rechipiri mumwedzi wechipiri mugore rechina rokutonga kwake.

3Nheyo dzakaiswa dzakanga dziri makubhiti makumi matanhatu pakureba uye makubhiti makumi maviri paupamhi hwayo (kana tichishandisa kubhiti rechiero chakare).

4Biravira rapamberi petemberi rakanga rakareba makubhiti makumi maviri pamberi paupamhi hweimba uye rakanga rakareba makubhiti makumi maviri kuenda mudenga. Akafukidza mukati mayo negoridhe rakaisvonaka.

5Akaroverera muimba huru mapuranga emipaini akaifukidza negoridhe rakaisvonaka akaishongedza nemiti yemichindwe nezvishongo zvengetani.

6Akashongedza temberi namatombo anokosha. Uye goridhe raakashandisa raiva goridhe rokuParivhaimi.

7Akafukidzawo matanda edenga magwatidziro, madziro, namakonhi etemberi negoridhe, uye akavezera makerubhi pamadziro.

8Akavaka Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureba kwayo kwaienderana noupamhi hwetemberi makubhiti makumi maviri, urefu hwayo uye upamhi hwayo makubhiti makumi maviri. Akafukidza mukati mayo namatarenda mazana matanhatu egoridhe rakaisvonaka.

9Zvipikiri zvegoridhe zvairema mashekeri makumi mashanu. Akafukidzawo nzvimbo dzokumusoro negoridhe.

10MuNzvimbo Tsvene-tsvene akagadzira makerubhi maviri akavezwa akaafukidza negoridhe.

11Mapapiro amakerubhi pamwe chete aisvika makubhiti makumi maviri pakureba kwawo. Bapiro rimwe chete rekerubhi rokutanga rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata madziro etemberi, rimwe bapiro rayo rakareba makubhiti mashanu richibata rimwe bapiro reimwe kerubhi.

12Zvimwe chetezvo bapiro rimwe rekerubhi rechipiri rakanga rakareba makubhiti mashanu uye raibata mamwe madziro etemberi uye rimwe racho rakareba zvimwe chetezvo makubhiti mashanu richibata bapiro rekerubhi rokutanga.

13Mapapiro amakerubhi aiva akareba makubhiti makumi maviri. Akanga akamira namakumbo awo, akatarisa kuimba huru.

14Akagadzira chidzitiro nezvakarukwa zvebhuruu, zvepepuru, nezvitsvuku nomucheka wakaisvonaka, namakerubhi akasonerwapo.

15Pamberi petemberi akagadzira mbiru mbiri, dzose pamwe chete dzakanga dzakareba makubhiti makumi matatu namashanu, mbiru imwe neimwe yaiva nomusoro pamusoro payo wakanga wakareba makubhiti mashanu.

16Akagadzira ngetani dzakarukwa akadziisa pamusoro pembiru. Akagadzirawo matamba zana akaasungirira pangetani.

17Akamisa mbiru pamberi petemberi, imwe zasi uye imwe kumusoro. Yezasi akaitumidza kuti Jakini uye yokumusoro akaitumidza kuti Bhoazi.

2 Makoronike

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0